Herbert Chitepo

Herbert Wiltshire Chitepo igamba rehondo yeChimurenga yakarwiwa nechinangwa chekusunungura nyika yeZimbabwe kubva kuutongi hweudzvanyiriri hwevarungu vakabva kuBritain.

Herbert Wiltshire Chitepo (15 Chikumi 1923 – 18 Kurume 1975) akanga ari mutungamiri weZimbabwe African National Union (ZANU) rinova bato rairwira kuzvitonga kwevatema munguva dzeRhodesia. Herbert Chtepo wakaurawa mugore ra1975 mwedzi waKurume. Hazvizivikanwe kuti Chitepo wakaurayiwa nani. Munyori wenguva dzeRhodesia anonzi Peter Stiff anoti musoja wemawuto British anonzi, Hugh Hind ndiye anonzi akauraya Herbert Chitepo.

Chitepo ndiye akava munhu mutema wekutanga munguva yeRhodesia kuva barrister; rinova rimwe danho rohugweta.


© MMXXIII Rich X Search. We shall prevail. All rights reserved. Rich X Search